2 Kings 7

1Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seya
marita angaita 7.3, uyewo nomundima 16 ne 18
roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimwe
magiramu angaita 11
uye maseya maviri
marita angaita 15, uyewo nomundima 16 ne 18
ebhari neshekeri pasuo reSamaria.”

2Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?”

Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!”

VaAramu vanotiza

3Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi pamukova wesuo reguta. Vakawirirana vakati, 4“Tichagarireiko pano kusvikira tafa? Kana tikati, ‘Tichaenda muguta,’ nzara irimo uye tichafa. Uye kana tikagara pano, tichafa. Naizvozvo ngatiendei kumusasa wavaAramu tinozvipira hedu. Kana vakatirega tiri vapenyu, tararama, kana vakatiuraya, tafa hedu.”

5Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakaenda kumusasa wavaAramu. Vakati vasvika pamucheto womusasa, wanei hakuna kana munhu, 6nokuti Jehovha akanga aita kuti vaAramu vanzwe kutinhira kwengoro namabhiza uye nokwehondo huru, naizvozvo, vakataurirana vachiti, “Tarirai mambo weIsraeri akakoka vaHiti namadzimambo avaIjipita kuti vazotirwisa!” 7Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakatiza, vakasiya matende avo namabhiza avo nembongoro. Vakasiya musasa wakangodaro vakatiza kuti vaponese upenyu hwavo.

8Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve.

9Ipapo vakataurirana vakati, “Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu. Kana tikamira kusvika kwaedza, ticharangwa. Handei izvozvi tinozivisa zvinhu izvi kumuzinda wamambo.”

10Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.” 11Varindi vesuo vakadaidzira mashoko aya zvikaziviswa mukati momuzinda.

12Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ”

13Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvichaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.”

14Saka vakatsaura ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akavatuma kuti vatevere hondo yavaAramu. Akarayira vachairi akati, “Endai mundoona kuti chii chakaitika.” 15Vakavatevera kusvikira paJorodhani, vakawana nzira yose izere nguo nenhumbi dzakanga dzakaraswa navaAramu pakutiza kwavo. Saka nhumwa dzakadzoka dzikaudza mambo izvozvo. 16Ipapo vanhu vakabuda vakandopamba musasa wavaAramu. Saka chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe chete uye zviyero zviviri zvebhari zvakatengeswawo neshekeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

17Zvino mambo akanga aisa mubati uya waaimbosendamira paruoko rwake kuti ave muchengeti wesuo, ipapo vanhu vakamutsikirira pasi pesuo ipapo, akafa, sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari musi wakauya mambo kwaari. 18Zvakaitika sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari kuna mambo achiti, “Mangwana, nenguva yakaita seino, chiyero choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe uye zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswawo neshekeri pasuo reSamaria.”

19Zvino mubati uya akanga ati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Mwari akazarura mawindo okumatenga, zvakadai zvingaitika here?” Munhu waMwari akanga amupindura akati, “Uchazviona nameso ako, asi haungadyi kana chimwe chazvo!” 20Zvino ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nokuti vanhu vakamutsikirira pasuo, akafa.

Copyright information for SnaBDSC